VAROMA 8
Upenyu muMweya
1 Naizvozvo zvino, hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu,2 nokuti kubudikidza naKristu Jesu murayiro woMweya woupenyu wakandisunungura kubva pamurayiro wechivi norufu.3 Nokuti zvakanga zvisingakwaniswi kuitwa nomurayiro pakushayiswa simba kwawo nenyama, Mwari akazviita nokutuma Mwanakomana wake mumufananidzo wenyama yechivi kuti ave chipiriso chechivi. Uye akapa mhosva kuchivi chiri mumunhu wenyama,4 kuitira kuti kururama kunodiwa nomurayiro kuzadziswe matiri, isu tisingafambi maererano nenyama asi maererano noMweya.
5 Nokuti vaya vanorarama namararamiro enyama, pfungwa dzavo dzinofunga zvinodiwa nenyama; asi vaya vanorarama namararamiro oMweya, pfungwa dzavo dzinofunga zvoMweya.6 Nokuti kufunga kwomunhu wenyama ndirwo rufu, asi kufunga kunotongwa noMweya ndihwo upenyu norugare;7 nokuti kufunga kwenyama kunovenga Mwari. Hakuzviisi pasi pomurayiro waMwari, uye hakugoni kuzviita.8 Avo vanotongwa nenyama havagoni kufadza Mwari.
9 Asi imi hamutongwi nenyama asi noMweya, kana Mweya waMwari achigara mamuri. Uye kana munhu asina Mweya waKristu, haazi waKristu,10 Asi kana Kristu ari mamuri, muviri wenyu wakafa nokuda kwechivi, asi Mweya wenyu mupenyu nokuda kwokururama.11 Uye kana Mweya waiye akamutsa Kristu kubva kuvakafa uchigara mamuri, iye akamutsa Kristu kubva kuvakafa achapawo upenyu kumiviri yenyu inofa kubudikidza noMweya wake unogara mamuri.
12 Naizvozvo, hama, tine mungava, asi kwete wenyama, kuti tirarame maererano nezvainoda.13 Nokuti kana muchirarama maererano nezvinodiwa nenyama, muchafa, asi kana muchirarama noMweya munouraya mabasa akaipa omuviri, uye muchararama,14 nokuti vaya vanotungamirirwa noMweya waMwari ndivo vana vaMwari.15 Nokuti hamuna kugamuchira mweya wouranda kuti muitwezve varanda vokutya, asi makagamuchira Mweya wokuitwa vana, uya watinodana naye tichiti, “Abha, Baba.”16 Mweya amene anopupurirana noMweya wedu kuti tiri vana vaMwari.17 Zvino kana tiri vana, naizvozvo tiri vadyi venhaka pamwe chete naye kuitira kuti tigozokudzwawo pamwe chete naKristu, kana zvirokwazvo tichitambudzika pamwe chete naye kuitira kuti tigozokudzwawo pamwe chete naye.
Kubwinya kwatichazova nako
18 Nokuti ndinoti matambudziko atinawo nguva ino haana kufanira kuenzaniswa nokubwinya kuchazoratidzwa kwatiri.19 Nokuti zvisikwa zvinotarisira zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari.20 Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pokudzungaira kukuru, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye akazviisa pasi pokudzungaira, mutariro21 yokuti zvisikwa pachazvo zvichazosunungurwa kubva pauranda hwokuora uye zvigoiswa pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari.
22 Tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera sokurwadza kwokuzvara mwana kusvikira panguva ino.23 Kwete izvozvo chete, asi nesuwo, vane zvibereko zvokutanga zvoMweya, tinogomera mukati medu tichimirira zvikuru kuitwa kwedu vana, iko kudzikinurwa kwemiviri yedu.24 Nokuti mutariro iyi takaponeswa. Asi tariro inoonekwa haizi tariro zvachose. Ndiani anotarisira chaanacho kare?25 Asi kana tine tariro yechinhu chatisina, tinochimirira nokutsungirira.
26 Saizvozvowo, Mweya anotibatsira mukusava nesimba kwedu. Nokuti hatizivi zvatinofanira kunyengeterera, asi Mweya amene anotinyengeterera nokugomera kusingatsananguriki namashoko.
27 Uye iye anonzvera mwoyo yedu anoziva kufunga kwaMweya, nokuti Mweya anonyengeterera vatsvene maererano nokuda kwaMwari.
Vakundi nokupfuurisa
28 Uye tinoziva kuti muzvinhu zvose Mwari anoita kuti zviitire zvakanaka kuna avo vanomuda, vaya vakadanwa sezvaakafunga.29 Nokuti avo Mwari vaakaziva kare, ndivo vaakatemerawo kare, kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti agova dangwe pakati pehama dzake zhinji.30 Uye vaya vaakatemera kare, ndivo vaakadanawo; vaya vaakadana, ndivo vaakaruramisawo; vaya vaakaruramisa, ndivo vaakakudzawo.
31 Zvino tichatiiko pazvinhu izvi? Kana Mwari ari kurutivi rwedu, ndiani angatirwisa?32 Iye asina kuramba noMwanakomana wake, asi akamupa chose nokuda kwedu tose, angarega seiko kutipawo zvose, pamwe chete naye?33 Ndianiko achapa mhosva avo vakasarudzwa naMwari? Mwari ndiye anoruramisira.34 Ndianiko achavapa mhosva? Kristu Jesu, ndiye akafa pamusoro pezvo, ndiye akamutswa akava mupenyu, ari kurudyi rwaMwari, uye anotinyengetererawo.35 Ndianiko achatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika here, kana nhamo, kana kutambudzwa, kana nzara, kana kushayiwa zvokupfeka, kana njodzi, kana munondo?
36 Sezvazvakanyorwa zvichinzi:
“Nokuda kwenyu tinotarisana norufu zuva rose;
tinoitwa samakwai anofanira kubayiwa.”
37 Kwete, pazvinhu zvose izvi tiri vakundi nokupfuurisa kubudikidza naiye akatida.38 Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana madhimoni, kana zvazvino, kana zvichauya, kana masimba api zvawo,
39 kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chimwe chinhuwo zvacho pazvisikwa zvose, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.
Romans 8
The Believer’s Relationship to the Holy Spirit
1 There is therefore now no condemnation for those who are in Christ Jesus.s2 For the law of the life-giving Spiritt in Christ Jesus has set yous free from the law of sin and death.3 For God achieved what the law could not do becauset it was weakened through the flesh. By sending his own Son in the likeness of sinful flesh and concerning sin, he condemned sin in the flesh,
4 so that the righteous requirement of the law may be fulfilled in us, who do not walk according to the flesh but according to the Spirit.
5 For those who live according to the flesh have their outlook shaped byt the things of the flesh, but those who live according to the Spirit have their outlook shaped by the things of the Spirit.6 For the outlookt of the flesh is death, but the outlook of the Spirit is life and peace,7 because the outlook of the flesh is hostile to God, for it does not submit to the law of God, nor is it able to do so.8 Those who are in the flesh cannot please God.9 You, however, are not int the flesh but in the Spirit, if indeed the Spirit of God lives in you. Now if anyone does not have the Spirit of Christ, this person does not belong to him.10 But if Christ is in you, your body is dead because of sin, butt the Spirit is your lifet because of righteousness.
11 Moreover if the Spirit of the ones who raised Jesus from the dead lives in you, the one who raised Christs from the dead will also make your mortal bodies alive through his Spirit who lives in you.s
12 So then,t brothers and sisters,t we are under obligation, not to the flesh, to live according to the flesh13 (for if you live according to the flesh, you willt die),s but if by the Spirit you put to death the deeds of the body you will live.14 For all who are led by the Spirit of God aret the sons of God.15 For you did not receive the spirit of slavery leading again to fear,t but you received the Spirit of adoption,t by whomt we cry, “Abba, Father.”16 The Spirit himself bears witness tot our spirit that we are God’s children.
17 And if children, then heirs (namely, heirs of God and also fellow heirs with Christ)t – if indeed we suffer with him so we may also be glorified with him.
18 For I consider that our present sufferings cannot even be comparedt to the glory that will be revealed to us.19 For the creation eagerly waits for the revelation of the sons of God.20 For the creation was subjected to futility – not willingly but because of Godt who subjected it – in hope21 that the creation itself will also be set free from the bondage of decay into the glorious freedom of God’s children.22 For we know that the whole creation groans and suffers together until now.23 Not only this, but we ourselves also, who have the firstfruits of the Spirit,t groan inwardly as we eagerly await our adoption,t the redemption of our bodies.t24 For in hope we were saved. Now hope that is seen is not hope, because who hopes for what he sees?
25 But if we hope for what we do not see, we eagerly wait for it with endurance.t
26 In the same way, the Spirit helps us in our weakness, for we do not know how we should pray,t but the Spirit himself intercedes for us with inexpressible groanings.27 And hes who searches our hearts knows the mind of the Spirit, because the Spiritt intercedes on behalf of the saints according to God’s will.28 And we know that all things work togethers for good for those who love God, who are called according to his purpose,29 because those whom he foreknew he also predestined to be conformed to the image of his Son, that his Sont would be the firstborn among many brothers and sisters.t
30 And those he predestined, he also called; and those he called, he also justified; and those he justified, he also glorified.
31 What then shall we say about these things? If God is for us, who can be against us?32 Indeed, he whot did not spare his own Son, but gave him up for us all – how will he not also, along with him, freely give us all things?33 Who will bring any charge against God’s elect?s It is God who justifies.34 Who is the one who will condemn? Christst is the one who died (and more than that, he was raised), who is at the right hand of God, and who also is interceding for us.35 Who will separate us from the love of Christ? Will trouble, or distress, or persecution, or famine, or nakedness, or danger, or sword?t36 As it is written, “For your sake we encounter death all day long; we were considered as sheep to be slaughtered.”s37 No, in all these things we have complete victoryt through himt who loved us!38 For I am convinced that neither death, nor life, nor angels, nor heavenly rulers,t nor things that are present, nor things to come, nor powers,
39 nor height, nor depth, nor anything else in creation will be able to separate us from the love of God in Christ Jesus our Lord.