previous next

TITO 2

Zvinofanira kudzidziswa Vatendi

1 Unofanira kudzidzisa zviri maererano nedzidziso yakarurama.2 Dzidzisa varume vakuru kuti vave vanozvibata, vakafanira kukudzwa, vanozvidzora, uye vakarurama pakutenda naparudo uye nomukutsungirira.
3 Saizvozvowo, dzidzisa vakadzi vakuru kuti vave nomufambiro wakafanira, vasingacheri, kana kuda waini zhinji, asi kuti vadzidzise zvakanaka.4 Uye kuti vadzidzise vakadzi vaduku kuti vade varume vavo navana vavo,5 kuti vave vanozvidzora uye vakachena, vanoshanda kumba, vave vanyoro uye kuti vazviise pasi pavarume vavo, kuitira kuti pashayikwe angazvidza shoko raMwari.
6 Zvimwe chetezvo, kurudzira majaya kuti azvidzore.7 Pazvinhu zvose iwe uvaratidze somuenzaniso nokuita zvakanaka. Pakudzidzisa kwako udzidzise zvakakwana, uchirevesa8 uye nokutaura kwakarurama kusingagoni kushorwa, kuitira kuti vaya vanokupikisa vanyadziswe nokuti havana chinhu chavangareva pamusoro pedu.
9 Udzidzise varanda kuti vazviise pasi pavatenzi vavo pazvinhu zvose kuti vavafadze, kuti varege kupindurana navo,10 uye kuti varege kuvabira, asi kuti varatidze kuti vakatendeka zvikuru kwazvo, kuitira kuti vashongedze dzidziso yaMwari Muponesi wedu pazvinhu zvose.
11 Nokuti nyasha dzaMwari dzinouyisa ruponeso dzakaratidzwa kuvanhu vose.12 Dzinotidzidzisa kuti tirambe zvinhu zvisina umwari nokuchiva kwenyika, uye tirarame upenyu hwokuzvidzora, hwokururama uye hwoumwari munguva ino,13 takamirira tariro yakaropafadzwa, kuonekwa kwokubwinya kwaMwari wedu mukuru noMuponesi, Jesu Kristu,14 akazvipa nokuda kwedu kuti atidzikinure kubva pakuipa kwose, nokuzvinatsira vanhu vari vake chaivo, vanoshingaira kuita zvinhu zvakanaka.

15 Zvino, izvi ndizvo zvinhu zvaunofanira kudzidzisa. Kurudzira uye utsiure nesimba rose. Ngakurege kuva nomunhu anokuzvidza.

Titus 2

Conduct Consistent with Sound Teaching

1 But as for you, communicate the behavior that goes witht sound teaching.2 Older men are to be temperate, dignified, self-controlled,t sound in faith, in love, and in endurance.s3 Older women likewise are to exhibit behavior fitting for those who are holy, not slandering, not slaves to excessive drinking, but teaching what is good.4 In this wayt they will traint the younger women to love their husbands, to love their children,5 to be self-controlled,t pure, fulfilling their duties at home,t kind, being subject to their own husbands, so that the messaget of God may not be discredited.t6 Encourage younger men likewise to be self-controlled,t7 showing yourself to be an example of good works in every way. In your teaching show integrity, dignity,8 and a sound message that cannot be criticized, so that any opponent will be at a loss,t because he has nothing evil to say about us.9 Slavest are to be subject to their own masters in everything,t to do what is wanted and not talk back,

10 not pilfering, but showing all good faith,t in order to bring credit tot the teaching of God our Savior in everything.
11 For the grace of God has appeared, bringing salvation to all people.t12 It trains ust to reject godless wayst and worldly desires and to live self-controlled, upright, and godly lives in the present age,13 as we wait for the happy fulfillment of our hope in the glorious appearingt of our great God and Savior, Jesus Christ.t14 Het gave himself for us to set us free from every kind of lawlessness and to purify for himself a people who are truly his,t who are eager to do good.t

15 So communicate these things with the sort of exhortation or rebuket that carries full authority.t Don’t let anyone look downt on you.